1 Samuel 26

Dhavhidhi anoregazve kuuraya Sauro

1VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?”

2Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko. 3Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo, 4akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo.

5Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.

6Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, mununʼuna waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?”

Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”

7Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza.

8Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.”

9Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva? 10Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa. 11Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.”

12Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru.

13Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo. 14Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?”

Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?”

15Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo. 16Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?”

17Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?”

Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.”
18Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko? 19Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’ 20Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.”

21Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.”

22Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora. 23Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha. 24Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.”

25Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.”

Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha.

Copyright information for SnaBDSC